Numbers 6

MuNaziri

1Jehovha akati kuna Mozisi, 2“Taura kuvaIsraeri uti kwavari: ‘Kana murume kana mukadzi akada kuita mhiko yakasarudzika, iyo mhiko yokuzvitsaurira kuna Jehovha somuNaziri, 3anofanira kusanwa waini nezvimwe zvinodhaka uye haafaniri kunwa vhiniga yakaitwa newaini kana nezvimwe zvinonwiwa zvinodhaka. Haafaniri kunwa muto wamazambiringa, kana kudya mazambiringa, kana akaomeswa. 4Panguva yose youNaziri hwake, haafaniri kudya chinhu chipi zvacho chinobva pamuti womuzambiringa, dzingava mhodzi kana mateko zvawo.

5“ ‘Mazuva ose okupika kwake kwokuzvitsaura hapana chisvo chichashandiswa kuveura musoro wake. Anofanira kuva mutsvene kusvikira nguva yokutsaurirwa kwake kuna Jehovha yapera; anofanira kurega bvudzi romusoro wake rirebe. 6Haafaniri kuswedera pachitunha mazuva ose aakazvitsaurira kuna Jehovha. 7Kunyange kana baba vake chaivo, kana mai vake, kana mununʼuna kana hanzvadzi vafa, haafaniri kuzvisvibisa nokuda kwavo, nokuti chiratidzo chokuzvitsaurira kuna Mwari chiri pamusoro wake. 8Mutsvene kuna Jehovha pamazuva ake ose aakazvitsaura.

9“ ‘Kana mumwe munhu akafa pakarepo iye ari ipapo, nokudaro akasvibisa bvudzi raakakumikidza, anofanira kuveura musoro wake nezuva rokunatswa kwake, iro zuva rechinomwe. 10Ipapo nezuva rorusere anofanira kuuya nenjiva mbiri kana twana tuviri twenjiva kumuprista ari pamusuo weTende Rokusangana. 11Muprista anofanira kupa imwe yacho sechipiriso chechivi uye imwe yacho sechipiriso chinopiswa kuti amuyananisire nokuti iye akatadza paakava pedyo nechitunha. Anofanira kunatsa musoro wake nezuva iroro. 12Anofanira kuzvikumikidza kuna Jehovha panguva yokuzvitsaura kwake uye anofanira kuuya nomukono wegwayana regore rimwe chete sechipiriso chemhosva.

13“ ‘Zvino uyu ndiwo murayiro womuNaziri panopera nguva yokuzvitsaura kwake. Anofanira kuuyiswa kumusuo weTende Rokusangana. 14Anofanira kupa kuna Jehovha chipiriso chake ipapo: mukono wegore rimwe chete wegwayana risina charingapomerwa kuti rive chipiriso chinopiswa, sheshe yegwayana regore rimwe chete isina kuremara kuti chive chipiriso chokuwadzana, 15pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chokunwa, uye dengu rechingwa chisina mbiriso, keke rakaitwa noupfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta.

16“ ‘Muprista anofanira kuuya nazvo pamberi paJehovha agoita chipiriso chechivi nechipiriso chinopiswa. 17Anofanira kuuyisa dengu rechingwa chisina mbiriso uye agobayira gondobwe sechipiriso chokuwadzana kuna Jehovha, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa.

18“ ‘Zvino pamusuo weTende Rokusangana, muNaziri anofanira kuveura bvudzi riya raakakumikidza. Anofanira kutora bvudzi iro agoriisa mumoto uri pasi pechibayiro chokuwadzana.

19“ ‘Shure kwokunge muNaziri aveura bvudzi rokuzvikumikidza kwake, muprista anofanira kuisa mumaoko ake bandauko rakabikwa regondobwe, uye keke nechingwa chitete kubva mudengu, zvose zvakabikwa zvisina mbiriso. 20Ipapo muprista achazvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira; izvi zvitsvene uye ndezvomuprista, pamwe chete nechipfuva chakaninirwa uye chidya chakakumikidzwa. Shure kwaizvozvo, muNaziri anganwa hake waini.

21“ ‘Uyu ndiwo murayiro womuNaziri anenge apikira chipiriso kuna Jehovha maererano nokuzvitsaura kwake pamusoro pezvimwe zvose zvaanenge achigona kupa. Anofanira kuzadzisa mhiko yaakaita, zviri maererano nomurayiro womuNaziri.’ ”

Kuropafadza kwoMuprista

22Jehovha akati kuna Mozisi, 23“Udza Aroni navanakomana vake uti, ‘Munofanira kuropafadza vaIsraeri nomutoo uyu. Muti kwavari:

24“ ‘Jehovha akuropafadzei
uye akuchengetei;
25Jehovha ngaapenyese chiso chake pamusoro penyu
uye akunzwirei tsitsi;
26Jehovha ngaarinzire chiso chake kwamuri
uye akupei rugare.’ ”
27“Saka vachaisa zita rangu pamusoro pavaIsraeri, uye ndichavaropafadza.”

Copyright information for SnaBDSC